Skip to content
Opens in a new window
Listen to this chapter • 2:38

[1] Herino shoko rechokwadi: kana munhu achitsvaka basa romutariri, anoda basa rinokudzika.

[2] Zvino mutariri anofanira kuva munhu asina chaangapomerwa, murume womukadzi mumwe chete, anozvidzora, anokudzwa, anoitira vaeni rudo, anoziva kudzidzisa,

[3] asingadhakwi, asingarwi uye ano unyoro, asina gakava, asingakariri mari.

[4] Anofanira kubata imba yake zvakanaka nokuona kuti vana vake vanomuteerera uye vachimukudza zvakanaka.

[5] (Kana munhu asingazivi kubata imba yake zvakanaka, angachengeta seiko kereke yaMwari?)

[6] Asava mutendi mutsva, nokuti angazozvikudza akazotongwa zvimwe chetezvo sadhiabhori.

[7] Anofanirawo kupupurirwa zvakanaka navari kunze, kuitira kuti arege kuzvidzwa, uye agowira mumusungo wadhiabhori.

[8] Saizvozvowo, madhikoni ngavave vanhu vanokudzwa, vanorevesa, vasinganwi waini zhinji, uye vasingatsvaki pfuma yakaipa.

[9] Vanofanira kuchengetedza zvakadzikadzika zvokutenda nehana yakanaka.

[10] Vanofanira kutanga vaedzwa, uye kana pasina chavangapomerwa, ngavashumire samadhikoni.

[11] Nenzira imwe cheteyo, vakadzi vavo ngavave vanokudzwa, vasingacheri vamwe asi vanozvidzora, vakatendeka pazvinhu zvose.

[12] Mudhikoni anofanira kuva murume ano mukadzi mumwe chete uye anofanira kugona kubata vana vake nemba yake zvakanaka.

[13] Vaya vakashumira zvakanaka vanozviwanira zita rakanaka uye nokusimbiswa kukuru pakutenda kwavo muna Kristu Jesu.

[14] Kunyange zvazvo ndine tariro yokuuya kwauri nokukurumidza, ndinokunyorera dzidziso idzi kuitira kuti,

[15] kana ndikanonoka, uchaziva kuti vanhu vanofanira kuzvibata sei mumba maMwari, inova kereke yaMwari mupenyu, mbiru nenheyo yechokwadi.

[16] Pasina kana mubvunzo, chakavanzika choumwari chikuru kwazvo: Iye akaratidzwa panyama, akaruramiswa noMweya, akaonekwa navatumwa, akaparidzwa pakati pendudzi panyika vakatenda kwaari, akakwidzwa mukubwinya.

1 Timoti — Chapters