Skip to content
Opens in a new window
Listen to this chapter • 2:13

[1] Naizvozvo, pakutanga kwezvose, ndinokurayirai kuti vanhu vose vakumbirirwe, vanyengetererwe, varevererwe, vavongerwe,

[2] madzimambo navose vari kutonga, kuti tigare norugare uye norunyararo pakurarama muumwari hwose nomuutsvene.

[3] Izvi zvakanaka uye zvinofadza Mwari muponesi wedu.

[4] Anoda kuti vanhu vose vaponeswe uye kuti vazive chokwadi.

[5] Nokuti kuna Mwari mumwe chete, nomurevereri mumwe chete pakati paMwari navanhu, ndiye munhu Kristu Jesu.

[6] Uyo akazvipa sorudzikinuro kuvanhu vose, uchapupu hwakapiwa panguva yakafanira.

[7] Uye nokuda kwechikonzero ichi ndakaitwa muparidzi nomupostori, ndinokuudzai chokwadi, handisi kureva nhema, uye ndiri mudzidzisi wokutenda kwechokwadi kune veDzimwe Ndudzi.

[8] Ndinoda kuti varume kwose kwose vasimudze maoko matsvene pakunyengetera, vasina kutsamwa kana nharo.

[9] Ndinodawo kuti vakadzi vapfeke zvakafanira, zvakanaka zvino kuzvidzora, kwete nebvudzi rakarukwa kana negoridhe kana namaperera kana nguo dzemari zhinji,

[10] asi ngavave namabasa akanaka, sezvakafanira vakadzi vanoti vanonamata Mwari.

[11] Mukadzi ngaadzidze akanyarara uye nokuzviisa pasi kwose.

[12] Handitenderi kuti mukadzi adzidzise kana kuti ave nesimba pamusoro pomurume; anofanira kunyarara.

[13] Nokuti Adhamu ndiye akatanga kuumbwa, tevere Evha.

[14] Uye Adhamu haasi iye akanyengerwa; mukadzi ndiye akanyengerwa akava mutadzi.

[15] Asi vakadzi vachaponeswa nokubereka vana kana vachirambira mukutenda, murudo noutsvene, uye nokuzvidzora.

1 Timoti — Chapters