Skip to content
Opens in a new window
Listen to this chapter • 4:07

[1] Zvino inzwai, imi vapfumi, chemai muungudze nokuda kwenjodzi iri kuuya pamusoro penyu.

[2] Upfumi hwenyu hwaora, uye nguo dzenyu dzakadyiwa nezviundudzi.

[3] Goridhe renyu nesirivha zvava nengura. Ngura yazvo ichakupupurirai zvakaipa uye zvichapedza nyama yenyu somoto. Makazvichengetera upfumi mumazuva okupedzisira.

[4] Tarirai mibayiro yamakatadza kupa vashandi venyu vaicheka muminda yenyu iri kudanidzira pamusoro penyu. Kuchema kwavacheki kwasvika munzeve dzaIshe Wamasimba Ose.

[5] Makararama mumafaro panyika uye muchizvikudza. Makakodza mwoyo yenyu pazuva rokuzvibaya.

[6] Makatonga uye mukaponda vanhu vasina mhosva, vakanga vasingapikisani nemi.

[7] Zvino, hama dzangu, ivai nomwoyo murefu, kusvikira pakuuya kwaShe. Tarirai mamiriro anoita murimi kuti aone chibereko chinokosha chenyika uye kuti anoita mwoyo murefu sei pakumirira kwake mvura yomunakamwe nemvura yamasutso.

[8] Nemiwo, ivai nomwoyo murefu uye mumire nesimba, nokuti kuuya kwaShe kwava pedyo.

[9] Musanyunyutirana, hama dzangu, kuti murege kutongwa. Mutongi amire pamusuo!

[10] Hama dzangu, somuenzaniso womwoyo murefu pakutambudzika, tarirai vaprofita vakataura muzita raShe.

[11] Sezvamunoziva, tinoti vakaropafadzwa avo vakatsungirira. Makanzwa zvokutsungirira kwaJobho uye makaona zvakaitwa naIshe pakupedzisira. Ishe azere netsitsi nengoni.

[12] Pamusoro pazvo zvose, hama dzangu, musapika, nedenga kana nenyika kana nechimwe chinhu zvacho. “Hongu” yenyu ngaive hongu, uye “Kwete” yenyu ngaive kwete, kuti murege kutongwa.

[13] Kuno mumwe wenyu anotambudzika here? Ngaanyengetere. Kuno mumwe anofara here? Ngaaimbe nziyo dzokurumbidza.

[14] Kuno mumwe wenyu anorwara here? Ngaadane vakuru vekereke kuti vazomunyengeterera uye vagomuzodza mafuta muzita raIshe.

[15] Uye munyengetero unoitwa mukutenda uchaita kuti munhu anorwara apore; Ishe achamumutsa. Kana akatadza, acharegererwa.

[16] Naizvozvo reururai zvivi zvenyu mumwe kuno mumwe uye munyengetererane kuti mugoporeswa. Munyengetero womunhu akarurama une simba uye unoshanda.

[17] Eria akanga ari munhu sesu. Akanyengetera zvine simba kuti kurege kunaya, uye hakuna kunaya panyika kwamakore matatu nehafu.

[18] Uyezve, akanyengetera, denga rikanayisa mvura, nyika ikabereka zvibereko zvayo.

[19] Hama dzangu, kana mumwe wenyu akatsauka kubva pachokwadi uye mumwe akamudzora,

[20] murangarire izvi kuti: Ani naani anodzora mutadzi kubva panzira yokudarika kwake, achamuponesa kubva parufu uye achafukidza zvivi zvizhinji.

Jakobho — Chapters