Skip to content
Opens in a new window
Listen to this chapter • 3:18

[1] Kurwa nokukakavara pakati penyu kunobvepiko? Hakubvi pakuchiva kwenyu kunorwa mukati menyu here?

[2] Munoda chimwe chinhu asi hamuchiwani. Munouraya uye munochiva, asi hamugoni kuwana zvamunoda. Munokakavadzana uye munorwa. Hamuna chinhu, nokuti hamukumbiri Mwari.

[3] Pamunokumbira, hamugamuchiri, nokuti munokumbira zvakaipa, kuti mugoshandisa zvamunowana pamafaro enyu.

[4] Imi vanhu voupombwe, hamuzivi kuti ushamwari nenyika hunovengana naMwari here? Ani naani anosarudza kushamwaridzana nenyika anova muvengi waMwari.

[5] Munofunga kuti Rugwaro runotaura pasina here kuti mweya waakaita kuti ugare matiri unotishuva negodo guru?

[6] Asi anotipa nyasha zhinji. Ndokusaka Rugwaro ruchiti: “Mwari anodzivisa vanozvikudza, asi anopa nyasha kuna vanozvininipisa.”

[7] Zviisei zvino, pasi paMwari. Dzivisai dhiabhori, uye achatiza kwamuri.

[8] Swederai kuna Mwari uye iye achaswedera kwamuri. Shambai maoko enyu, imi vatadzi, uye munatse mwoyo yenyu, imi vane mwoyo miviri.

[9] Chemai, murire uye muungudze. Shandurai kuseka kwenyu kuve kuchema uye mufaro wenyu uve kusuwa.

[10] Zvininipisei pamberi paIshe, agokusimudzirai.

[11] Hama dzangu, musarevana. Ani naani anoreva hama yake kana kumutonga anotaura achirwa nomurayiro uye achiutonga. Kana uchitonga murayiro, iwe hauzi kuuchengeta, asi ugere uchitonga uri pauri.

[12] Panongova noMupi woMurayiro noMutongi mumwe chete, iye anokwanisa kuponesa kana kuparadza. Asi iwe, ndiwe aniko kuti utonge muvakidzani wako?

[13] Zvino teererai, imi munoti, “Nhasi kana mangwana tichaenda kuguta iri kana iro, tinopedza gore tiriko, tichiita basa uye tichiwana mari.”

[14] Asi, imi hamutongozivi zvichaitika mangwana. Upenyu hwenyu chiiko? Muri mhute inoonekwa nguva duku uye ipapo yonyangarika.

[15] Asi, munofanira kuti, “Kana Ishe achida, tichararama tigoita ichi nechocho.”

[16] Asi zvino munozvikudza uye mune manyawi. Kuzvikudza kwakadaro kwakaipa.

[17] Ani naani, zvino, anoziva zvakanaka zvaanofanira kuita akasazviita, ari kutadza.

Jakobho — Chapters