Skip to content
Opens in a new window
Listen to this chapter • 2:55

[1] Asi uzive chinhu ichi: Kuchava nenguva dzokutambudzika pamazuva okupedzisira.

[2] Vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, vanozvirumbidza, vanozvikudza, vanotuka, vasingateereri vabereki, vasingatendi, vasina utsvene,

[3] vasina rudo, vasingaregereri, vanochera vamwe, vasingazvidzori, vane utsinye, vasingadi zvinhu zvakanaka,

[4] vanomukira, vanoita manyawi, vanonyengera, vanoda kuzvifadza nezvenyika kupfuura Mwari;

[5] vane mufananidzo bedzi wokunamata Mwari asi vachiramba simba racho. Siyana navanhu ivavo.

[6] Nokuti ndivo vaya vanoverevedza vachipinda mudzimba vachitapa vakadzi vasingazvibati vakaremedzwa nezvivi zvizhinji,

[7] vanogara vachidzidza asi vasingatongosviki pakuziva chokwadi.

[8] Sezvakaita Janesi naJambiresi vakadzivisa Mozisi, varume avawo vanodzivisa zvokwadi, vanhu vane ndangariro dzakaora, kana pari pazvinhu zvokutenda, vakarasika.

[9] Asi havangasviki kure, nokuti upenzi hwavo huchaonekwa navanhu vose.

[10] Asi kunyange zvakadaro, iwe unoziva kudzidzisa kwangu kwose, mararamiro angu, chinangwa changu, kutenda kwangu, mwoyo murefu wangu, norudo, nokutsungirira,

[11] matambudziko, nhamo, nezvinhu zvose zvakaitika kwandiri muAndioki, Ikoniamu nomuRistra, nokutambudzwa kwose kwandakasangana nako. Asi Ishe akandinunura kubva pazviri zvose.

[12] Zvirokwazvo munhu wose anoda kurarama upenyu hwoumwari muna Kristu Jesu achatambudzwa,

[13] asi vanhu vakaipa navanonyengera vachanyanyisa kuipa, vachinyengera nokunyengerwa.

[14] Asi iwe, rambira pazvinhu zvawakadzidza uye ukatenda mazviri, nokuti unoziva kuti wakazvidzidza kubva kuna ani,

[15] uye kuti kubva pauduku wakaziva Magwaro matsvene, anogona kukupa uchenjeri hunosvitsa kukuponeswa kubudikidza nokutenda muna Kristu Jesu.

[16] Rugwaro rwose rwakafemerwa naMwari uye runobatsira pakudzidzisa, kurayira, kutsiura nokurayiridza mukururama,

[17] kuti munhu waMwari akwaniswe kwazvo, agadzirirwa mabasa ose akanaka.

2 Timoti — Chapters