Skip to content
Opens in a new window
Listen to this chapter • 3:05

[1] Pauro, mupostori waKristu Jesu nokuda kwaMwari, maererano nechipikirwa choupenyu huri muna Kristu Jesu,

[2] kuna Timoti mwanakomana wangu anodikanwa: Nyasha, ngoni norugare zvinobva kuna Mwari Baba naKristu Jesu, Ishe wedu ngazvive newe.

[3] Ndinovonga Mwari, wandinoshumira sezvakaitwa namadzitateguru angu, nehana yakachena, sezvo ndichikurangarira muminyengetero yangu usiku namasikati.

[4] Ndichirangarira misodzi yako, ndinoshuva kukuona, kuti ndigozadzwa nomufaro.

[5] Ndinoyeuchidzwa kutenda kwako kusinganyengeri, kwakanga kuri muna mbuya vako Roisi uye nomuna mai vako Yunisi pakutanga, uye zvino ndinoziva kuti kunogarawo mauri.

[6] Nokudaro ndinokuyeuchidza kuti ukuchidzire chipo chaMwari chiri mauri nokuiswa kwamaoko angu pamusoro wako.

[7] Nokuti Mwari haana kutipa mweya wokutya, asi mweya wesimba, neworudo newokuzvidzora.

[8] Saka usanyadziswa nokupupura Ishe wedu, kana kunyadziswa neni musungwa wake. Asi utambudzike pamwe chete neni nokuda kwevhangeri, nesimba raMwari,

[9] akatiponesa uye akatidanira kuupenyu hutsvene, kwete nokuda kwechinhu chatakaita asi kuti nokuda kwake iye, uye nenyasha. Nyasha idzi takadzipiwa muna Kristu Jesu nguva dzisati dzavapo,

[10] asi zvino dzakaratidzwa nokuonekwa kwoMuponesi wedu Kristu Jesu, akaparadza rufu uye akabudisa pachena upenyu nokusafa kubudikidza nevhangeri.

[11] Uye ndakaitwa muparidzi, mupostori nomudzidzisi wevhangeri iri.

[12] Ndokusaka ndichitambudzika sezvandiri kuita. Asi handinyadziswi, nokuti ndinoziva wandakatenda, uye ndinoziva kwazvo kuti anogona kuchengeta chandakamupa kusvikira zuva iroro.

[13] Zvawakanzwa kubva kwandiri, zvichengete sedzidziso yechokwadi, nokutenda norudo muna Kristu Jesu.

[14] Chengetedza chakanaka chiri mauri chawakapiwa, chichengetedze uchibatsirwa naMweya Mutsvene anogara matiri.

[15] Unoziva kuti vose vari mudunhu reEzhia vakandisiya, kusanganisirawo naFigerasi naHerimogenesi.

[16] Ishe ngaaitire imba yaOnesiferasi ngoni, nokuti kazhinji anondisimbisa uye haana kunyadziswa nengetani dzangu.

[17] Asi kutoti, paakanga ari muRoma, akanditsvaga kwazvo kusvikira andiwana.

[18] Ishe ngaamuitire chinhu ichi kuti awane ngoni kubva kuna Ishe pazuva iro! Iwe unoziva kwazvo kuti akandibatsira zvikuru sei muEfeso.

2 Timoti — Chapters