[1] Naizvozvo, sezvo Kristu akatambudzika mumuviri wake, nemiwo muzvishongedze nomurangariro iwoyo, nokuti uyo akatambudzika mumuviri wake akarega chivi.
[2] Nokuda kwaizvozvo, haagari upenyu hwake hwose hwapanyika pakuchiva kwavanhu kwakaipa, asi mukuda kwaMwari.
[3] Nokuti nguva yakapfuura yakaringana kare yamakapedza muchiita kuda kwavahedheni yamairarama muutere, kuchiva, kudhakwa, kutamba kwakaipa, kuraradza nokunamata zvifananidzo zvinonyangadza.
[4] Vanofunga kuti zvinoshamisa kuti imi hamuchapindi pamwe chete navo mukurarama kwokusazvidzora kwavo kuzhinji, uye vanokutukai kwazvo.
[5] Asi vachazvidavirira kuna iye akazvigadzirira kutonga vapenyu navakafa.
[6] Nokuti nokuda kwaizvozvi vhangeri rakaparidzwa kunyange nokuna vakafa, kuitira kuti vagotongwa nomutoo wavanhu nokuda kwenyama, asi vagorarama nomutoo waMwari nokuda kwomweya.
[7] Kuguma kwezvinhu zvose kwava pedyo. Naizvozvo ndangariro dzenyu ngadzichene uye muzvidzore kuti mugogona kunyengetera.
[8] Pamusoro paizvozvo zvose dananai norudo rukuru, nokuti rudo runofukidza zvivi zvizhinji.
[9] Muitirane rudo kuno mumwe nomumwe wenyu musinganyunyuti.
[10] Mumwe nomumwe ngaashandise chipo chaanacho kuti ashandire vamwe, akatendeka muutariri hwenyasha dzaMwari mukuwanda kwadzo.
[11] Kana munhu achitaura, ngaadaro somunhu anotaura mashoko chaiwo aMwari. Kana munhu achishumira, ngaazviite nesimba raanopiwa naMwari, kuitira kuti muzvinhu zvose Mwari arumbidzwe kubudikidza naJesu Kristu. Iye ngaave nokubwinya nesimba nokusingaperi-peri. Ameni.
[12] Vadikani, musashamiswa nokurwadza kwokutambudzika nemiedzo, sokunge chinhu chisingazivikanwi chaitika kwamuri.
[13] Asi farai kuti munogovana naKristu mumatambudziko, kuitira kuti mufare kwazvo pakuonekwa kwokubwinya kwake.
[14] Kana muchitukwa nokuda kwezita raKristu, makaropafadzwa, nokuti mweya wokubwinya nowaMwari unogara pamuri.
[15] Ngakurege kuva nomumwe wenyu achatambudzika, nemhaka yokuti imhondi, kana mbavha, kana kuti anoita zvimwe zvakaipa zvemhando ipi zvayo, kana kusarega zvavamwe.
[16] Kunyange zvakadaro, kana muchitambudzika somuKristu, musanyadziswa, asi rumbidzai Mwari nokuti mune zita iroro.
[17] Nokuti inguva yokuti kutonga kutange mumba maMwari; uye kana kuchitanga nesu, zvichazoveiko kuna vaya vasingateereri vhangeri raMwari?
[18] Uye, “Kana zvichiremera akarurama kuti aponeswe, ko, asingazivi Mwari nomutadzi vachazovei?”
[19] Saka zvino, vaya vanotambudzika nokuda kwaMwari vanofanira kuzviisa kuMusiki wavo akatendeka uye vagoramba vachiita zvakanaka.