Skip to content
Opens in a new window
Listen to this chapter • 4:20

[1] Naizvozvo, muzvidzore pane zvakaipa zvose namanomano ose, nokunyengera, negodo, nokureva kwose.

[2] Savacheche vachangoberekwa, pangai mukaka wakachena womweya, kuti mugokuriswa nawo muruponeso rwenyu,

[3] sezvo makaravira zvino kuti Ishe akanaka.

[4] Sezvamunouya kwaari, iye Ibwe Benyu, rakarambwa navanhu asi rakasarudzwa naMwari uye rinokosha kwaari,

[5] nemiwo, samabwe mapenyu, muri kuvakwa muimba yomweya kuti muve uprista hutsvene muchipa zvibayiro zvomweya zvinogamuchirwa kuna Mwari kubudikidza naJesu Kristu.

[6] Nokuti muRugwaro zvinonzi: “Tarirai, ndakaisa ibwe muZioni, ibwe rakasanangurwa, rinokosha, uye munhu anovimba naye haatongonyadziswi.”

[7] Zvino kunemi vanotenda, iri ibwe rinokosha. Asi kuna avo vasingatendi, “Ibwe rakaraswa navavaki ndiro rava musoro wekona,”

[8] uye, “Ibwe rinogumbusa vanhu nedombo rinoita kuti vawe.” Vanogumburwa nokuti havateereri shoko, zvinova ndizvo zvavakatemerwawo.

[9] Asi imi muri vanhu vakasanangurwa, uprista hwamambo, rudzi rutsvene, vanhu vaMwari chaivo, vaakadana kuti muparidze kunaka kwaiye akakudanai kuti mubve murima, muuye muchiedza chake chinoshamisa.

[10] Kare makanga musiri vanhu, asi zvino mava vanhu vaMwari; kare makanga musinganzwirwi ngoni, asi zvino makagamuchira ngoni.

[11] Vadikani, ndinokukurudzirai, savatorwa navaeni munyika, kuti muzvidzore pakuchiva kwenyama, kunorwa nomweya wenyu.

[12] Mugare upenyu hwakanaka pakati pavahedheni kuti, kunyange vachikupomerai mhosva, vaone mabasa enyu akanaka vagokudza Mwari pazuva raanotishanyira.

[13] Muzviise pasi pamasimba ose akagadzwa pakati penyu navanhu nokuda kwaIshe: angava mambo, saiye mutongi mukuru,

[14] kana vabati, vakatumwa naye kuti vazoranga vaya vanoita zvakaipa uye kuti varumbidze vaya vanoita zvakanaka.

[15] Nokuti kuda kwaMwari kuti, nokuita zvakanaka, muchanyaradza kusaziva kwamapenzi.

[16] Garai savanhu vakasununguka, asi musingaiti kuti kusununguka kwenyu kuve chifukidzo chezvakaipa; garai savaranda vaMwari.

[17] Kudzai vanhu vose norukudzo chairwo: Idai hama dzose, ityai Mwari, kudzai mambo.

[18] Varanda, zviisei pasi pavatenzi venyu nokukudza kwose, kwete kuna avo vakanaka navane hanya bedzi, asi nokuna vayawo vane hasha.

[19] Nokuti zvinorumbidzwa kana munhu achitsungirira ari pasi pokurwadziwa nokutambudzika kusakafanira nokuti anoziva kuti Mwari ariko.

[20] Asi mungarumbidzwa sei kana muchirohwa nokuda kwokuita zvakaipa uye muchitsunga mazviri? Asi kana muchitambudzika nokuda kwokuti munoita zvakanaka uye muchitsunga mazviri, izvozvo zvinorumbidzwa pamberi paMwari.

[21] Makadanirwa izvozvi, nokuti Kristu akatambudzika nokuda kwenyu, akakusiyirai muenzaniso, kuti mutevere makwara ake.

[22] “Haana kutadza, uye kunyengera hakuna kuwanikwa mumuromo make.”

[23] Pavakamutuka, haana kudzorera; paakatambudzika, haana kutyisidzira. Asi, akazviisa kuna iye anotonga nokururama.

[24] Iye pachake akatakura zvivi zvedu mumuviri wake pamuti, kuitira kuti isu tife kuzvivi tigorarama zvakarurama; namavanga ake imi makaporeswa.

[25] Nokuti imi makanga makaita samakwai akarasika, asi zvino madzokera kuMufudzi noMutariri wemweya yenyu.

1 Petro — Chapters