Skip to content
Opens in a new window
Listen to this chapter • 3:16

[1] Shamwari dzinodikanwa, musatenda mweya yose yose, asi edzai mweya kuti muone kana ichibva kuna Mwari, nokuti vaprofita vazhinji venhema vakapinda munyika.

[2] Aya ndiwo maziviro amungaita Mweya waMwari: mweya mumwe nomumwe unopupura kuti Jesu Kristu akauya munyama unobva kuna Mwari,

[3] asi mweya wose usingapupuri Jesu haubvi kuna Mwari. Ndiwo mweya waandikristu, wamakanzwa kuti uri kuuya uye kunyange iye zvino watova munyika.

[4] Imi, vana vanodikanwa, munobva kuna Mwari uye makavakunda, nokuti ari mamuri mukuru kuna iye ari munyika.

[5] Ivo ndevenyika, naizvozvo vanotaura sevenyika, uye nyika inovanzwa.

[6] Isu tinobva kuna Mwari, uye ani naani anoziva Mwari anotinzwa; asi ani naani asingabvi kuna Mwari haatinzwi. Izvi ndizvo zvinoita kuti tizive mweya wechokwadi nomweya wenhema.

[7] Shamwari dzinodikanwa, ngatidananei, nokuti rudo runobva kuna Mwari. Mumwe nomumwe anoda akaberekwa naMwari uye anoziva Mwari.

[8] Ani naani asingadi haazivi Mwari, nokuti Mwari rudo.

[9] Mwari akaratidza rudo rwake pakati pedu sezvizvi: Akatuma Mwanakomana wake mumwe woga munyika kuti tive noupenyu kubudikidza naye.

[10] Urwu ndirwo rudo: kwete kuti isu takada Mwari, asi kuti iye akatida uye akatuma Mwanakomana wake kuti ave chibayiro chinoyananisa zvivi zvedu.

[11] Shamwari dzinodikanwa, sezvo Mwari akatida zvakadai, isu tinofanirawo kudanana.

[12] Hakuna munhu akatongoona Mwari; asi kana tichidanana, Mwari anogara matiri, uye rudo rwake runokwaniswa matiri.

[13] Tinoziva kuti tinogara maari uye iye matiri, nokuti akatipa zvoMweya wake.

[14] Uye takaona uye tikapupura kuti Baba vakatuma Mwanakomana wavo kuti ave Muponesi wenyika.

[15] Kana munhu akapupura kuti Jesu ndiye Mwanakomana waMwari, Mwari anogara maari uye iye muna Mwari.

[16] Nokudaro tinoziva uye tinovimba norudo rwaMwari kwatiri. Mwari rudo. Ani naani anogara murudo anogara muna Mwari, uye Mwari maari.

[17] Naizvozvo, rudo runokwaniswa pakati pedu kuitira kuti tigova nokuvimba pazuva rokutongwa, nokuti munyika ino takafanana naye.

[18] Murudo hamuna kutya. Asi rudo rwakakwana runodzinga kutya, nokuti kutya kune chokuita nokurangwa. Munhu anotya haana kukwaniswa murudo.

[19] Tinomuda nokuti iye akatanga kutida.

[20] Kana munhu achiti, “Ndinoda Mwari,” asingadi hama yake, murevi wenhema. Nokuti ani naani asingadi hama yake yaakaona, haagoni kuda Mwari, waasina kumboona.

[21] Uye akatipa murayiro uyu: Ani naani anoda Mwari anofanirawo kuda hama yake.

1 Johani — Chapters