Skip to content
Opens in a new window
Listen to this chapter • 1:41

[1] Izvo zvakanga zviripo kubva pakutanga, izvo zvatakanzwa, zvatakaona nameso edu, zvatakatarira uye zvatakabata namaoko, izvozvi ndizvo zvatinoparidza zveShoko roupenyu.

[2] Upenyu hwakaonekwa; takahuona uye tikapupura nezvahwo, uye tinoparidza kwamuri upenyu husingaperi, hwakanga huri kuna Baba uye hwakaratidzwa kwatiri.

[3] Tinoparidza kwamuri zvatakaona nezvatakanzwa, kuti nemiwo mugowadzana nesu. Uye tinowadzana naBaba noMwanakomana wavo, Jesu Kristu.

[4] Tiri kunyora izvi kuti mufaro wedu uzadziswe.

[5] Iyi ndiyo mharidzo yatakanzwa kwaari uye yatinoparidza kwamuri kuti: Mwari ndiye chiedza; maari hamuna rima zvachose.

[6] Kana tichiti tinowadzana naye asi tichifamba murima, tinoreva nhema uye hatigari muchokwadi.

[7] Asi kana tichifamba muchiedza, saiye ari muchiedza, tinowadzana nomumwe nomumwe wedu, uye ropa raJesu, Mwanakomana wake, rinotinatsa pazvivi zvose.

[8] Kana tichiti hatina chivi, tinozvinyengera uye chokwadi hachizi matiri.

[9] Kana tichireurura zvivi zvedu, iye akatendeka uye akarurama, uye achatikanganwira zvivi zvedu agotinatsa pakusarurama kwose.

[10] Kana tichiti hatina kutadza, tinomuita murevi wenhema uye shoko rake harizi matiri.

1 Johani — Chapters