Skip to content
Opens in a new window
Listen to this chapter • 2:25

[1] Unofanira kudzidzisa zviri maererano nedzidziso yakarurama.

[2] Dzidzisa varume vakuru kuti vave vanozvibata, vakafanira kukudzwa, vanozvidzora, uye vakarurama mukutenda, murudo nomukutsungirira.

[3] Saizvozvowo, dzidzisa vakadzi vakuru kuti vave nomufambiro wakafanira, vasingacheri, kana kuda waini zhinji, asi kuti vadzidzise zvakanaka.

[4] Uye kuti vadzidzise vakadzi vaduku kuti vade varume vavo navana vavo,

[5] kuti vave vanozvidzora uye vakachena, vanoshanda kumba, vave vanyoro uye kuti vazviise pasi pavarume vavo, kuitira kuti pashayikwe angazvidza shoko raMwari.

[6] Zvimwe chetezvo, kurudzira majaya kuti azvidzore.

[7] Pazvinhu zvose iwe uvaratidze somuenzaniso nokuita zvakanaka. Pakudzidzisa kwako udzidzise zvakakwana, uchirevesa

[8] uye nokutaura kwakarurama kusingagoni kushorwa, kuitira kuti vaya vanokupikisa vanyadziswe nokuti havana chinhu chavangareva pamusoro pedu.

[9] Udzidzise varanda kuti vazviise pasi pavanavatenzi vavo pazvinhu zvose kuti vavafadze, varege kupindurana navo,

[10] uye kuti varege kuvabira, asi kuti varatidze kuti vakatendeka zvikuru kwazvo, kuitira kuti vashongedze dzidziso yaMwari Muponesi wedu pazvinhu zvose.

[11] Nokuti nyasha dzaMwari dzinouyisa ruponeso dzakaratidzwa kuvanhu vose.

[12] Dzinotidzidzisa kuti tirambe zvinhu zvisina umwari nokuchiva kwenyika, uye tirarame upenyu hwokuzvidzora, hwokururama uye hwoumwari munguva ino,

[13] takamirira tariro yakaropafadzwa, kuonekwa kwokubwinya kwaMwari wedu mukuru noMuponesi, Jesu Kristu,

[14] akazvipa nokuda kwedu kuti atidzikinure kubva pakuipa kwose, nokuzvinatsira vanhu vari vake chaivo, vanoshingaira kuita zvinhu zvakanaka.

[15] Zvino, izvi ndizvo zvinhu zvaunofanira kudzidzisa. Kurudzira uye utsiure nesimba rose. Ngakurege kuva nomunhu anokuzvidza.

Tito — Chapters