[1] Pauro, musungwa waKristu Jesu, naTimoti hama yedu, kuna Firimoni shamwari yedu inodikanwa uye nomushandi pamwe chete nesu,
[2] kuna Afia hanzvadzi yedu, kuna Akipo murwi pamwe chete nesu uye nokukereke inosangana mumba mako:
[3] Nyasha ngadzive nemi norugare zvinobva kuna Mwari Baba vedu naIshe Jesu Kristu.
[4] Ndinovonga Mwari wangu nguva dzose pandinokurangarira muminyengetero yangu,
[5] nokuti ndinonzwa nezvokutenda kwako muna Ishe Jesu uye norudo rwako kuvatsvene vose.
[6] Ndinokunyengeterera kuti ugovane navamwe nesimba, kuitira kuti uve noruzivo rwakazara pamusoro pezvinhu zvose zvakanaka zvatinazvo muna Kristu.
[7] Rudo rwako rwakandipa mufaro mukuru nokukurudzirwa, nokuti iwe, hama yangu, wakazorodza mwoyo yavatsvene.
[8] Naizvozvo, kunyange zvazvo ndisingatyi, muna Kristu, kuti ndikurayire zvaunofanira kuita,
[9] asi ndinokukumbira nokuda kworudo. Saka ini, saPauro mutana uye zvino musungwa waKristu Jesu
[10] ndinokumbira kwauri pamusoro pomwanakomana wangu Onesimasi, akava mwanakomana wangu pakusungwa kwangu.
[11] Akanga asingabatsiri kwauri kare, asi zvino ava kubatsira kwatiri tose iwe neni.
[12] Ndiri kumudzosera kwauri, iye mwoyo wangu chaiwo.
[13] Ndaida kuti iye agare neni kuti agotora nzvimbo yako pakundibatsira zvandiri muusungwa nokuda kweVhangeri.
[14] Asi handina kuda kuita chinhu iwe usina kuchitendera, kuitira kuti zvose zvakanaka zvauchaita zvirege kuva zvokurovedzerwa asi nokuda kwako.
[15] Nokuti zvimwe wakaparadzaniswa naye kwechinguva kuti ugozova naye nokusingaperi,
[16] asisiri somuranda, asi ava nani kupfuura muranda, sehama inodikanwa. Munhu anodikanwa kwandiri, asi kutonyanya kwauri, zvose somunhu uye sehama muna She.
[17] Saka kana uchindiona somumwe wako, mugamuchire sokugamuchira kwaungandiita.
[18] Kana ane zvaakakutadzira kana kuti ane mungava newe, uzvireve kwandiri.
[19] Ini, Pauro, ndanyora izvi noruoko rwangu. Ndichazviripira, ndisingarevi kuti iwe pachako uri mungava kwandiri.
[20] Hama, ndinoshuva, kuti ndiwane rubatsiro kubva kwauri muna She; zorodza mwoyo wangu muna Kristu.
[21] Ndanyora kwauri ndichivimba nokuteerera kwako, ndichiziva kuti uchaita kunyange kupfuura zvandakukumbira.
[22] Uye chimwe chinhuzve: Ndigadzirirewo pokugara, nokuti ndinotarira kuti ndichapiwa kwamuri pakupindurwa kweminyengetero yenyu.
[23] Epafurasi, musungwa pamwe chete neni muna Kristu Jesu, anokukwazisai,
[24] uyewo Mako, Aristakusi, Dhemasi, naRuka, vashandi pamwe chete neni.
[25] Nyasha dzaIshe Jesu Kristu ngadzive nomweya wako.