Skip to content
Opens in a new window
Listen to this chapter • 2:18

[1] Mukuru, kushamwari yangu inodikanwa Gayo, wandinoda muchokwadi.

[2] Mudikani, ndinonyengetera kuti uve noutano hwakanaka uye kuti zvose zvikunakire kunyange sokufara kwomweya wako.

[3] Ndakafara kwazvo dzimwe hama padzakauya dzikandiudza nezvokutendeka kwako pachokwadi uye kuti unoramba uchifamba sei muchokwadi.

[4] Hapana chimwe chinhu chinondifadza kupfuura kunzwa kuti vana vangu vari kufamba muchokwadi.

[5] Mudikani, wakatendeka pane zvaunoita kuhama, kunyange vasiri vanhu vaunoziva.

[6] Vakataurira kereke nezvorudo rwako. Uchaita zvakanaka kana ukavadzosazve nenzira yakafanira pamberi paMwari.

[7] Nokuda kweZita iri vakabuda, vasingagamuchiri rubatsiro kubva kuvahedheni.

[8] Naizvozvo tinofanira kugamuchira vanhu vakadai kuti tishande pamwe chete muchokwadi.

[9] Ndakanyorera kukereke, asi Dhiotirefesi, iye anoda kuva mukuru, akati haagamuchiri zvatinotaura.

[10] Saka kana ndauya, ndichamuyeuchidza mabasa ake aanoita, okunyeya, nokuitira godo. Kwete izvozvo zvoga, anorambawo kugamuchira hama. Anodzivisawo vaya vanoda havo kuita izvozvo uye achivabudisa mukereke.

[11] Mudikani, usatevedzera zvakaipa asi zvakanaka. Ani naani anoita zvakanaka ndiye anobva kuna Mwari. Ani naani anoita zvakaipa haana kuona Mwari.

[12] Dhemetriasi anopupurirwa zvakanaka navose, uye kunyange nechokwadi chaicho. Nesuwo tinotaura zvakanaka nezvake, uye munoziva kuti uchapupu hwedu ndohwechokwadi.

[13] Ndine zvizhinji zvokukunyorera, asi handidi kuita izvozvi nechinyoreso neingi.

[14] Ndinovimba kuti ndichakuonai nokukurumidza, uye tichazotaurirana chiso nechiso.

[15] Rugare kwamuri. Shamwari dziri kuno dzinokukwazisai. Kwazisai shamwari dziri ikoko namazita avo.