[1] Pakupedzisira, hama, mutinyengetererewo kuti shoko raShe rikurumidze kuparadzirwa uye kuti rikudzwe, sezvazvakanga zvakaita kwamuri.
[2] Uye munyengetere kuti tirwirwe kubva kune akaipa, nokuti havasi vose vanotenda.
[3] Asi Ishe akatendeka, uye achakusimbisai nokukudzivirirai kubva kune akaipa.
[4] Tinotenda muna She kuti muri kuita uye mucharamba muchiita zvinhu zvatinokurayirai.
[5] Mwari ngaatungamirire mwoyo yenyu murudo rwaMwari uye nomukutsungirira kwaKristu.
[6] Muzita raIshe Jesu Kristu, tinokurayirai hama, kuti mubve pahama imwe neimwe inoita zvousimbe uye isingararami maererano nedzidziso yamakagamuchira kubva kwatiri.
[7] Nokuti imi pachenyu munoziva kuti munofanira kutevera sei muenzaniso wedu. Takanga tisiri simbe patakanga tinemi,
[8] uye hatina kudya chokudya chomunhu tisingaripi. Asi, takashanda usiku namasikati, tichishanda zvikuru uye tichitambudzika kuitira kuti tirege kuva mutoro kwamuri.
[9] Takaita izvi, kwete nokuda kwokuti hatina kodzero yokuti tibatsirwe pakadaro, asi kuitira kuti tive muenzaniso kwamuri wokuti mutevere.
[10] Nokuti kunyange pataiva nemi, takakupai murayiro uyu wokuti: “Kana munhu asingashandi, ngaarege kudya.”
[11] Tinonzwa kuti vamwe pakati penyu vane usimbe. Havashandi; havaregi zvavamwe.
[12] Vanhu vakadaro tinovarayira uye tinovakurudzira muna Ishe Jesu Kristu kuti vashande chinyararire vagodya chingwa chavanoshandira.
[13] Uye kana murimi, hama, musaneta pakuita zvakanaka.
[14] Kana pano munhu asingateereri kurayira kwedu mutsamba iyi, mumungwarire. Musafambidzana naye, kuitira kuti anyare.
[15] Asi musamutora somuvengi, asi mumuyambire sehama.
[16] Zvino Ishe worugare ngaakupei rugare nguva dzose nomunzira dzose.
[17] Ini Pauro, ndanyora kwaziso iyi noruoko rwangu, chinova ndicho chiratidzo mutsamba dzangu dzose.
[18] Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemi mose.