[1] Asi kwakanga kuna vaprofita venhema pakati pavanhu, sezvavachavapowo vadzidzisi venhema pakati penyu. Vachazivisa pakavanda dzidziso dzinoparadza, vachiramba kunyange naiye Ishe tenzi akavatenga, vachiuyisa pamusoro pavo kuparadzwa kunokurumidza.
[2] Vazhinji vachatevera nzira dzavo dzinonyadzisa uye nzira yezvokwadi ichazvidzwa.
[3] Mukukara kwavo, vadzidzisi ava vachakunyengerai namashoko amanomano. Kutongwa kwavo kwakanguva kwavamirira, uye kuparadzwa kwavo hakukotsiri.
[4] Nokuti kana Mwari asina kuregerera vatumwa pavakatadza, asi akavatumira kugehena, achivaisa mugomba rerima kuti vachengeterwe kutongwa;
[5] kana asina kuregerera nyika yakare paakauyisa mafashamu pavanhu vayo vakanga vasingatyi Mwari, asi akadzivirira Noa, muparidzi wokururama, navamwewo vanomwe;
[6] kana akatonga maguta eSodhomu neGomora nokuapisa nomoto kusvikira ava dota, uye akaaita muenzaniso wezvichaitika kuna vasingadi Mwari;
[7] uye kana akanunura Roti, murume akarurama, akatambudzika nokuda kwoupenyu hwetsvina hwavanhu vakanga vakatsauka
[8] (nokuti murume uyu akarurama, agere pakati pavo zuva nezuva, akatambudzwa mumwoyo wake wakarurama nezviito zvavasakurama zvaakaona nezvaakanzwa),
[9] kana zvakadaro, ipapo Ishe anoziva kuti anonunura sei vanhu vake vanotya Mwari kubva pamiedzo uye kuti anobata sei vasakarurama kuti varangwe kusvikira pazuva rokutongwa.
[10] Izvozvo zvinoitwa navaya vanotevera kuchiva kwakaora kwomunhu wenyama uye vachizvidza vakuru. Vanhu ava havatyi kutuka zvisikwa zvokudenga, vakashinga uye vanozvikudza;
[11] asi kunyange vatumwa, kunyange zvazvo vakasimba kwazvo uye vane simba guru, havauyi pamberi paIshe vachituka nokupomera mhosva zvakadai kuzvisikwa izvi.
[12] Asi vanhu ava vanongomhura panyaya dzavasinganzwisisi. Vakaita semhuka dzisina murangariro, zvisikwa zvisingashanduki papfungwa, zvakangoberekerwa kubatwa nokuparadzwa, uye semhuka idzodzo naivowo vachaparara.
[13] Vacharipirwa nokurwadziswa nokuda kwezvakaipa zvavakaita. Mukufunga kwavo vanoti kutamba masikati ndizvo zvinofadza. Ivo ndivo makwapa namavara, vanofara mune zvinovagutsa pavanenge vachidya nemi.
[14] Vane meso azere upombwe, havatongoregi kutadza; vanonyengera vasina mano; uye inyanzvi pakukara, rudzi rwakatukwa!
[15] Vakasiya nzira yakarurama vakatsauka kuti vatevere nzira yaBharamu mwanakomana waBheori, akada mubayiro wokusarurama.
[16] Asi akatsiurwa nembongoro nokuda kwokuita kwake zvakaipa, mhuka isina mutauro yakataura nenzwi romunhu uye ikadzivisa kupenga kwomuprofita.
[17] Ava vanhu matsime asina mvura uye imhute inosundwa nemhepo. Vakachengeterwa rima guru.
[18] Nokuti vanotaura zvisina maturo, mashoko okuzvikudza, uye nokuchiva kwenyama yavo, vanobata kumeso vanhu vaya vari kutiza kubva kuna vanogara mukutsauka.
[19] Vanovavimbisa kusununguka, asi ivo pachavo vari varanda vokuora, nokuti munhu anoitwa muranda nechinhu chipi zvacho chinenge chamukunda.
[20] Kana vakatiza kuora kwenyika ino nokuda kwokuziva Ishe wedu noMuponesi Jesu Kristu uye vakasungwazve mazviri uye vakundwa nazvo, vaipa pakupedzisira kupfuura zvavakanga vari pakutanga.
[21] Zvaiva nani kwavari kuti dai vasina kumboziva havo nzira yokururama, pano kuti vaizive, ipapo vagozofuratira murayiro mutsvene wakanga wapiwa kwavari.
[22] Tsumo iyi ndeyechokwadi kwavari inoti, “Imbwa yakadzokera kumarutsi ayo,” uye “Nguruve yakanga yashambidzwa yadzokerazve kunoumburuka mumatope.”