[1] Zvino, hama, kana dziri nguva kana misi hatifaniri kuti tikunyorerei,
[2] nokuti imi munoziva kwazvo kuti zuva raShe richauya sembavha usiku.
[3] Vanhu pavanenge vachiti, “Rugare norunyararo,” kuparadzwa kuchasvika pamusoro pavo nokukurumidza, somukadzi ane mimba worwadziwa, uye havangapunyuki.
[4] Asi imi, hama, hamusi murima zvokuti zuva iri rikusvikirei sembavha.
[5] Imi mose muri vanakomana vechiedza navanakomana vamasikati. Hatizi vousiku kana verima.
[6] Saka zvino, ngatiregei kuita savamwe vavete, asi ngatisvinurei uye tive vanozvidzora.
[7] Nokuti avo vanovata, vanovata usiku, uye avo vanodhakwa, vanodhakwa usiku.
[8] Asi sezvo tiri vamasikati, ngatizvidzorei, takapfeka kutenda norudo sechidzitiro chechipfuva, netariro yoruponeso senguwani.
[9] Nokuti Mwari haana kutisarudza kuti tive vokutsamwirwa asi kuti tigamuchire ruponeso kubudikidza naIshe wedu Jesu Kristu.
[10] Akatifira isu kuitira kuti, kunyange takasvinura kana tivete, tigare pamwe chete naye.
[11] Naizvozvo kurudziranai uye muvakane, sezvamunoita zvino.
[12] Zvino tinokukumbirai, hama, kuti muremekedze avo vanoshanda nesimba pakati penyu, vari pamusoro penyu muna She uye vanokurayirai.
[13] Muvakudze zvikuru murudo nokuda kwebasa ravo. Garai murunyararo nomumwe nomumwe wenyu.
[14] Uye tinokukurudzirai, hama, kuti muyambire avo vano usimbe, mukurudzire vanotya, batsirai vasina simba, muite mwoyo murefu kuvanhu vose.
[15] Muve nechokwadi kuti kurege kuva nomunhu anodzorera chakaipa nechakaipa, asi edzai kuva nomwoyo munyoro kuno mumwe nomumwe wenyu uye nokuna vose.
[16] Farai nguva dzose;
[17] rambai muchinyengetera;
[18] vongai pazvinhu zvose, nokuti ndiko kuda kwaMwari kwamuri muna Kristu Jesu.
[19] Musadzima moto woMweya;
[20] musazvidza zviprofita.
[21] Edzai zvinhu zvose. Batirirai kune zvakanaka.
[22] Regai zvakaipa zvose.
[23] Mwari pachake, iye Mwari worugare, ngaakuitei vatsvene kwazvo kwazvo. Mweya wenyu wose, nomwoyo uye nomuviri zvichengetwe zvisina mhosva pakuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu.
[24] Iye anokudanai akatendeka uye achazviita.
[25] Hama, tinyengeterereiwo.
[26] Kwazisai hama dzose nokutsvoda kutsvene.
[27] Ndinokurayirai pamberi paIshe kuti tsamba iyi iverengerwe hama dzose.
[28] Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemi.